Tom Blomefield. Aimboita zvezvicherwa. Akazvarwa mugore ra 1926 ku Johannesburg (Joni). Akasvika muZimbabwe muna 1945 umo aida kurima fodya. Purazi rake akaritumidza kuti Tengenenge zvichireva mavambo emavambo muri murwurimi rweChewa. Mafashamu, kusanaya kwemvura kuwanikwa kwe koromo uye kuomerwa kwenyika muhupfumi zvimwe zvezvinhu zvakasangana naTom mumakore ekuma 1960.dzidziso yekuvamba zvinhu yakawanikwa natom kubva kuna Amai vake uye kuwana kwaakaita mugodhi wematombo anovezwa anonzi serpentine kwakaita kuti Tom azadzise shuviro yake yeremangwana rake. Vashandi ne Shamwari dzake vaida mifananidzo vakamubatsira pachinangwa chake chokuvamba musha wezvivezwa.

Shamwari ya Piccasso ainzi Frank McEwan ndiye aive achitungamirira National Gallery of Salisbury (yave Harare). Frank McEwan akakwanisa kuona zvipo zvaive nevavezi vechidiki mu Zimbabwe. Zvisinei nokupikiswa kwaaiitwa akakwanisa kusimudzira “shona Art” pasi rose iyo yakayemurwa nevakawanda pasi rose.