Zwivezwa zve Tengenenge zvaive zvakanganikwa

Muna Zvita 2012 Tom Blomefield akashanyira littleZIM ku Birkenried munyika ye Germany, akataura nezvezvivezwa zvekare zveku Tengenenge. Kwemakore akawanda vavezi  vaingoveza pa Tengenenge. Vaive nezvinangwa zvakasiyana siyana uye vakaita budiriro dzakasiyana siyana. Vaiwaniswa pekugara, matombo ekuveza nemvura na Tom izvo vaisa bhadhara. Izvi zvaiitirwa kuti vakwanise kuvandudza zvipo zvavo. Vamwe vakagara pa Tengenenge zvachose vamwe vakaenda mumaguta uye vamwe vakarega kuveza. Vakasiya mifananidzo yavakange vaveza pa Tengenenge.
Zvivezwa izwi zvaingosara kudzamara zvavharwa nehuswa nevhu. Mumakore mashoma adarika Tom  akatanga kutsvaga zvivezwa izvi kuti zvive pachena. Nimrod Phiri revammwe vepa Tengenenge vakawana zvivezwa zvino kwana chiuru Chimwe (1000).
Munguva  yeChirimo muna 2014 Tom Blomefield, Helmut Schlaiss, na Franz-L. Keck vakatangakuongorora zvivezwa izvi nokuzvinyora pasi. Vakabatsirwa kuzvichenesa kuzviisa muzvikamu uye kuzvitora mifananidzo nevagari vepa Tengenenge vanoti Robert Murengwa, Wasili  Amali na Michael Kasvinge. Panguva iyi vakakwanisa kuwana zvimwe zvivezwa zvaive pedyo nedzimba dzepa Tengenenge.
Mushure mesvondo rimwe rokushanda iri pakaitwa mabiko. Pakaurawa mombe, mbudzi uye huku dzakawanda. Vaenzi nevagari vepa Tengenenge vakave nemufaro mukuru. Vakadya nekunwa uye kutamba nziyo pamwe nekupana  njere nemazano mukurarama. Panguva iyi Tom akaonana neshamwari yake Ainzi Amali Malola uyo aive ave nemakore zana (100) apa ndipo pavakapedzisira kuonana nokuti Amali Malola akasoshaika mushure memazuva mashoma.

Pachikamu chino tichakuratidzai mifananidzo yezvivezwa zve Tengenenge zvaive zvakanganwiwa. Zana nemakumi matatu nezvitatu (133) zvakaunzwa ku Birkenried mu Germany uko zvirikutengeswa. Chimwe chikamu chemari ichawanikwa ichaendeswa kumusha we Tengenenge.