Kuvezwa Kwematombo mu Zimbabwe kwakatanga kare. Nhoroondo yekutanga tinoiwana ku Masvingo e Zimbabwe. Muguta guru raMunhumutapa. Makaitwa zvivezwa zvetsika nemagariro evatema (evashona) Mumakore ekuma gumi nerimwe kusvika gumi nemashanu emazana (11-15th century).
Pachivakwa chematombo ega ega ichi pakawanikwa zvivezwa zvakawanda. Zvivezwa izvi zvaive shiri inoyera inonzi hungwe. Nhasi uno shiri iyi mucherechedzo mukuru wenyika ye Zimbabwe. Tinoiona zvekare pamureza wenyika ye Zimbabwe.
Mumazana emakore ari pakati pamakumi mashanu ne makumi matanhatu. Zvivezwa zveva Shona zvakamutsiridzwa.
Joram Mariga weku Inyanga. Kumabvazuva kwaka kwirira kwenyika ye Zimbabwe ndiye akatanga kumutsiridza kuvezwa kwematombo muZimbabwe kubva pakasiyirwa nemadzitateguru evashona.
Nhasi uno kuvezwa kwematombo chinhu chinokosha mukurarama kwevanhu vemuZimbabwe. Muzvivezwa izvi vanhu vanounza pachena mararamiro avanoita, zvinoyera, tsika nemagariro , zvavanonzwa mumwoyo uye zvirimunharaunda dzavo. Izvi zvinoitwa nevanhu vane mwoyo mirefu uye vane hunyanzvi.
Mu Zimbabwe tine nzvimbo dzakawanda munovezwa matombo. Dzimwe dzenzvimbo idzi dzava nemakore anosvika makumi mashanu uye dzimwe dzichangovambwa. Pakati padzo nzvimbo idzi inozivikanwa zvakanyanya i Tengenenge Art Community uye ndiyo imwe yenzvimbo dzekutanga-tanga.