Chivezwa Chako

Kana muchida kudzidza kuveza kuti mugadzire chidhori kana chimwe chinhu hacho huyai ku littleZIM. Tine zvidzidzo zvekudzidzisa kuveza zvinowanikwa nguva dzose. Kunyangwe musina ruzivo munopiwa dziidziso kusvika magona kuveza uye mozodada nezvichabuda mukupera kwezvidziidzo.

Tinodzidzisa vana kuveza munguva yezororo rezvikoro. Vavezi vadiki ava vanogadzira hove, moyo, nemhuka, dzavanoona mumatombo. Vanodziidza vachishandisa maoko nezvekushandisa pakuveza (masimbi/maturusi) kuveza kunoda mwoyo murefu kunzwisisa nekuzvipira uye kushingirira.

Matinovezera inzvimbo dzinobatanidza vanhu kunyange vemakambani kana mishandirapamwe. Sechikwata chimwe tinogadzira zvivezwa zvedu nemaoko. Tinoshanda takatarisa hurongwa hwedu uye tigoona kuti zvirikubuda semarangero atakaita here. Tinobatsirana, tichifara nokudya pamwe. Kudya pamwe kunounza wirirano pakati pedu ndiyo nguva zvekare yatinokurukura nezvehurongwa hwedu. Chivezwa chemubatanidzwa wechikwata chinogona kuiswa pamukova/pamusiwo wekambani yavo kana mubindu ravo apo chinounza runako munzvimbo idzi.

Interested? Find here the Mazuva >>>