Kuveza kunoda kugona kufunga uye kuvamba zvakowega
Iro dombo risati ravezwa rinokupa chiedza chezvauri kuda kuita uye rinokuzadza neshungu. Sando machisera ma rasper nema sandpaper uchizvishandisa chaunoda chinobuda zvishoma nezvishoma.

Kuveza kunodzidzisa kuva nemwoyo murefu
Matombo emumakomo ane kuoma kwakasiyana – siyana. Anoda kubatwa uye kuvezwa nenzira dzakasiyana – siyana vadzidzisi vanodzidzisa vadzidzi kuti dombo rive shamwari inoda rudo uye moyo murefu pakurishanda.

Kuveza matombo kunounza zvidzidzo
Vadzidzisi vacho ma Africans. Vanobva kamarudzi akasiyana ayo munokwanisa kudzidza zvakawanda kubva maari. Munodzidza kushanda pamwe uye muchidzidza kubva kune mumwe ne mumwe pakati penyu. Tinodzidza kuti mumwe ne mumwe wevafundi ane zano rake uye chinangwa. Izvo tinoda kuona kuti anozvizadzisa sei.

Kuveza kunounza mweya wekubatana muzvikwata
Vadzidzisi vedu vekuAfrica vakakurira mumhuri dzakakura uko vakadzidza kugara mukubatana kubva vachiri vadiki. Vanoziva kuremekedza vakuru uye vane kunyanzvi hwokubatanidza zvikwata kuti tizove nechivezwa chedu chimwe seshamwari dzakabatana. Munguva yekudya munopana mazano uye tsvakurudzo kuti mungaenda sei mberi.